Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 2:1-8

ƲaHeberu 2:1-8 SUB1949

Saka tinofanira kuterera ɀikuru iɀo ɀatakanzwa, kuti tirege kukukurwa. Nokuti kana shoko, rakaŋga rataurwa naʋatumŋa, rakaŋga rakasimba, ʋuye kana kuɗarika nokusaterera kwose kwakapiwa muɓairo wakarurama, ko isu ticatiza sei, kana tisinehanya nokuponeswa kukuru kwakaɗai? uku kwakaparidzwa pakutaŋga naShe, kukasimbiswa kwatiri naiʋo ʋakanzwa; naiye Mŋari ʋo acipupurirana naʋo neɀiratidzo neɀinoshamisa, namaɓasa esimba mazhinji, neɀipo ɀoMŋeya Mutȿene, nokuɗa kwake. Nokuti nyika, inozoʋuya, yatinoreʋa, haana‐kuiisa pasi paʋatumŋa. Asi mumŋe wakapupura kwaɀo paneimŋe nɀimbo, aciti: Ko munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga? Kana mŋanakomana womunhu, ɀamunomushanyira? Makamuita muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa, Mukaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake ɀinhu ɀose pasi pake, haana‐kusiya cinhu cimŋe, cisinakuiswa pasi pake. Asi ɀino tigere kuʋona kuti ɀinhu ɀose ɀakaiswa pasi pake.

Verenga chikamu ƲaHeberu 2