Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 11:22-40

ƲaHeberu 11:22-40 SUB1949

Nokutenda Josefa, ofa, wakataura ɀokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri, akaʋaraira pamsoro pamafupa ake. Nokutenda Mosesi pakuɓerekwa kwake wakaʋanzwa naʋaɓereki ʋake mŋedzi mitatu, nokuti ʋakaʋona kuti wakaŋga ari mŋana wakanaka; haʋana‐kutya murairo wamambo. Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mŋanakomana womukunda waFarao, akati ɀirinani kuitirwa ɀakaipa pamŋe cete naʋanhu ʋaMŋari pakufarira ɀiʋi ŋguʋa ɗuku; akati kuɀidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita; nokuti wakatarira muɓairo. Nokutenda wakabva Egipita, asiŋgatyi kutsamŋa kwamambo; nokuti wakatsuŋgirira somunhu unoʋona iye usiŋgaʋonekwi. Nokutenda wakaʋamba paseka nokusasa ropa, kuti muʋurayi wamataŋgwe aʋarege iʋo. Nokutenda ʋakayambuka Guŋgwa Dɀuku, sapanyika yakawoma; ʋaEgipita ʋaciidza iɀoɀo, ʋakaɓitirirwa. Nokutenda maȿiŋgo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuʋa manomŋe. Nokutenda Rakabi cifeʋe, haana‐kufa pamŋe cete naʋasinakuterera, nokuti wakaŋga agamucira ʋashori norugare. Ndicataurireiko ɀimŋe? Nokuti ndicapererwa neŋguʋa, kana ndikataura ɀaGideoni, naBaraki, naSamsoni, naJefta, naDavidi, naSamueri, naʋaprofita; aʋo ʋakakunda ʋushe nokutenda kwaʋo ʋakaita ɀakarurama, ʋakapiwa ɀipikirwa, ʋakadziʋira miromo yeshumba. Ʋakadzima simba romŋoto, ʋakatiza minondo inopinza, ʋakasimbiswa paʋutera, ʋakaʋa nesimba pakurwa, ʋakadziŋga hondo dzamamŋe marudzi. Ʋakadzi ʋakapiwa ɀe ʋakafa ʋaʋo, ʋamutswa; ʋamŋe ʋakapurwa, ʋakaramba kusunuŋgurwa, kuti ʋawane kumuka kwakapfuʋura nokunaka; ʋamŋe ʋakaidzwa, ʋacisekwa, ʋacirobga ɀikuru, ʋuye ɀe ʋacisuŋgwa, ʋaciiswa mutoroŋgo; ʋakatakwa namabge, ʋakatemŋa‐temŋa nejeko, ʋakaidzwa, ʋakaʋurawa nomunondo; ʋakafamba ʋakafuka matebge amakwai, neŋguʋo dzembudzi; ʋasinecinhu, ʋacitambudzika, ʋaciitirwa ɀakaipa; (nyika haina‐kufanirwa naʋo), ʋacidzuŋgaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika. Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋapupurirwa nokutenda kwaʋo, asi haʋana‐kupiwa ɀipikirwa, nokuti Mŋari wakaŋga atigadzirira cimŋe cinhu cinopfuʋura nokunaka, kuti iʋo ʋarege kukwaniswa kunze kweɗu.