Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 11:1-19

ƲaHeberu 11:1-19 SUB1949

Ɀino kutenda ndirwo rusimbiso rweɀinhu ɀatinotarira, neciratidzo ceɀinhu ɀatisiŋgaʋoni. Nokuti naiko ʋanhu ʋakare ʋakapupurirwa ɀakanaka. Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatso‐roŋgedzwa nenzwi raMŋari, naiɀoɀo ɀinhu, ɀinoʋonekwa, hazina‐kuitwa neɀinhu ɀinoʋonekwa. Nokutenda Aberi wakaɓayira Mŋari ciɓayiro cakanaka kunecaKaini; akapupurirwa naco kuti wakaŋga akarurama, Mŋari acipupurira ɀipo ɀake; naiko kutenda iye, kunyaŋge afa hake, ucaŋgotaura naɀino. Nokutenda Enoki wakatorwa, kuti arege kuʋona rufu; akasaʋonekwa, nokuti Mŋari wakaŋga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakaŋga acifadza Mŋari. Kana kusina‐kutenda haɀibviri kumufadza; nokuti unoʋuya kunaMŋari, unofanira kutenda kuti iye uri’po, ʋuye kuti unopa ʋanomutȿaka muɓairo waʋo. Nokutenda Noa wakati anyeʋerwa pamsoro peɀinhu ɀicigere kuʋonekwa, akagadzira areka nokutya Mŋari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhoȿa naɀo, akagara nhaka yokururama kunoʋuya nokutenda. Nokutenda Abrahama, wakati aɗanwa, akaterera, akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo yaakanzi ucaipiwa iʋe nhaka yake; akaɓuɗa akaenda, asiŋgaziʋi kwaanoenda. Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yecipikirwa, sapanyika yaʋamŋe, akagara mumatente naIsaka naJakobo, ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa cimŋe pamŋe cete naye; nokuti wakaŋga acitarira guta rinenheyo, Mŋari ari mhizha nomuʋaki waro. Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba, kunyaŋge akaŋga acembera, nokuti wakati iye wakamupikira wakatendeka. Saka kumunhu mumŋe, wakaŋga akaita sowafa, kwakabva ʋana ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga nokuwanda kwaʋo, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa risiŋgaʋereŋgwi. Iʋaʋa ʋose ʋakafa ʋacitenda, ʋasina‐kupiwa ɀipikirwa, asi ʋakaɀiʋona ɀiri kure, ʋakaɀikwazisa, ʋakatenda kuti iʋo ʋaeni naʋafambi panyika. Nokuti ʋanotaura ɀakaɗaro, ʋanoratidza kuti ʋanotȿaka nyika yaʋo caiyo. Nokuti kana ʋairamba ʋacifuŋga nyika iyo yaʋakabva kwairi, ʋaŋgaɗai ʋawana ŋguʋa yokudzoka. Asi ɀino ʋanoɗa imŋe inopfuʋura nokunaka, ndiyo yokuɗeŋga; naiɀoɀo Mŋari haanenyadzi pamsoro paʋo kuti aidzwe Mŋari waʋo; nokuti wakaʋagadzirira guta. Nokutenda Abrahama, aciidzwa, wakaɓayira Isaka; iye wakaŋga agamucira kwaɀo ɀipikirwa, wakaŋga aciɓayira mŋana wake wakaɓerekwa mumŋe woga; iye wakaŋga aʋudzwa, ɀicinzi: MunaIsaka ʋana ʋako ʋacatumidzwa; nokuti wakati Mŋari unogona kumutsa munhu kunyaŋge kuʋakafa; ndipapo ʋo, kana ticitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.