Mŋari wakataura kare kunamadziɓaɓa muʋaprofita nemigoʋe mizhinji, ʋuye nemitoʋo mizhinji, ɀino pakupedzisira kwamazuʋa ano wakataura kwatiri muMŋanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yeɀinhu ɀose, waakaita ʋo naye nyika; iye cadzera cokubginya kwake, nomufananidzo wake caiye, unoceŋgeta ɀinhu ɀose nenzwi resimba rake, wakati apedzisa kunatswa kweɀiʋi, akagara kurudyi rwoƲumambo kuɗeŋga, akapfuʋura ʋatumŋa nokunaka saiɀoɀo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuʋura raʋo. Nokuti wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti:
Ndiwe Mŋanakomana waŋgu,
Nhasi ndakakuɓereka?
Ʋuye ɀe:
Ndicaʋa Ƃaɓa ʋake,
Iye ucaʋa Mŋanakomana waŋgu?
Ʋuye, kana acizoʋuyisa ɀe ɗaŋgwe rake panyika, unoti: Ʋatumŋa ʋose ʋaMŋari ŋgaʋamunamate. Napamsoro paʋatumŋa unoti:
Iye unoita ʋatumŋa ʋake kuti ʋaʋe mhepo,
Naʋaranda ʋake, kuti ʋaʋe muraɀo womŋoto;
Asi pamsoro poMŋanakomana, unoti:
Cigaro cenyu coʋushe, imi Mŋari, ciri’po nokusiŋgaperi‐peri,
Netȿimbo yokururama ndiyo tȿimbo yoʋushe bgako.
Makaɗa kururama, mukaʋeŋga kusarurama;
Saka Mŋari, iye Mŋari wenyu, wakakuzodzai
Namafuta okufara kupfuʋura shamŋari dzenyu.
Ʋuye,
Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutaŋga,
Neɗeŋga ndiro ɓasa ramaʋoko enyu;
Iro ricapera, asi imi mucaramba muri’po;
Ricasakara rose seŋguʋo;
Mucaripeta secinofukwa,
Seŋguʋo, rikashandurwa;
Asi imi hamushanduki, namakore enyu haaŋgagumi.
Asi wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti:
Gara kurudyi rwaŋgu,
Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako?
Ko haʋazi ʋose mŋeya inoshumira, yakatumŋa kuzoɓata nokuɗa kwaʋanodya nhaka yokuponeswa here?