Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, Kaini akaʋuya neɀiɓereko ɀevu, ciʋe cipo kunaJehova. NaAberi ʋo akaʋuya namakwaiana ake emhoŋgora namafuta awo. Jehova ndokugamucira Aberi necipiriso cake; asi Kaini necipiriso cake haana‐kucigamucira. Ipapo Kaini akatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikawunyana. Ipapo Jehova akati kunaKaini: Watsamŋireiko? Ciso cako cakawunyana nei? Kana ukaita ɀakanaka, hauŋgafari here paciso cako? Kana usiŋgaiti ɀakanaka, ɀiʋi ɀinokuʋandira pamukoʋa; ɀicakutȿaka, asi iwe unofanira kuɀikunda. Ɀino Kaini wakataurirana nomunuŋuna wake Aberi; ʋakati ʋari kusaŋgo, Kaini ndokumukira Aberi munuŋuna wake, akamuʋuraya. Ipapo Jehova akati kunaKaini. Uripiko Aberi, munuŋuna wako? Iye akati: Handiziʋi; ndini mufudzi womunuŋuna waŋgu kanhi? Akati: Waiteiko? Inzwi reropa romunuŋuna wako rinoɗanidzira kwandiri panyika. Ɀino watukwa, wadziŋgwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamucira ropa romunuŋuna wako paruʋoko rwako; kana ucirima ivu, hariŋgakupi simba raro; ucaʋa mutizi nomudzuŋgairi panyika. Ipapo Kaini akati kunaJehova: Kurobga kwaŋgu kukuru, handiŋgakutakuri. Tarirai, mandidziŋga nhasi panyika ino; ndicaʋanda pamberi penyu; ndicaʋa mutizi nomudzuŋgairi panyika; aninani unondiwana ucandiʋuraya. Jehova akati kwaari: Naiɀoɀo aninani unoʋuraya Kaini ucatsibga kanomŋe. Jehova ndokuisira Kaini ciratidzo, kuti munhu unozomuwana arege kumuʋuraya. Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehova, akandogara panyika yeNodi, kumabvazuʋa kweEdeni.
Verenga chikamu Genesi 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 4:3-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo