Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 24:1-51

Genesi 24:1-51 SUB1949

Abrahama ɀino wakaŋga akwegura, aʋa mutana kwaɀo; Jehova wakaŋga aropafadza Abrahama paɀinhu ɀose. Abrahama akataura nomuranda wake, waiʋa mukuru weimba yake, waiceŋgeta ɀose ɀaakaŋga anaɀo, aciti: Cimboisa canza cako pasi pecidɀa caŋgu, ndikupikise naJehova, Mŋari wokuɗeŋga, naMŋari wenyika, kuti hauŋgatoreri mŋanakomana waŋgu mukadzi kuʋanasikana ʋeKanani, ʋandinogara pakati paʋo; asi uende kunyika yaŋgu, nokuhama dzaŋgu, undotorera ikoko mŋanakomana waŋgu Isaka mukadzi. Muranda akati kwaari: Ɀimŋe mukadzi haaŋgatendi kunditeʋera kunyika ino; ɀino ndiŋgafanira kudzosera mŋanakomana wenyu kunyika kwamakabva here? Abrahama akati kwaari: Cenjera kuti urege kudzosera mŋanakomana waŋgu ikoko. Jehova, Mŋari wokuɗeŋga, wakandibvisa paimba yaɓaɓa ʋaŋgu nomunyika yokuɀarwa kwaŋgu, wakataura neni, akandipikira, aciti: Nyika ino ndicapa ʋana ʋako; ndiye ucatuma mutumŋa wake pamberi pako, kuti utorere mŋanakomana waŋgu mukadzi ikoko. Kana mukadzi asiŋgatendi kukuteʋera, iwe ucasunuŋgurwa pakupika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mŋanakomana waŋgu ikoko. Ipapo muranda akaisa canza cake pasi pecidɀa catenzi wake, akamupikira pamsoro pecinhu ico. Muranda akatora makamera anegumi pamakamera atenzi wake, akaenda, anenhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori. Akafugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura neŋguʋa yamaɗekwana, iri ŋguʋa yaiɓuɗa ʋakadzi kundocera mvura; akati: Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama, ndifambisei henyu ɀakanaka nhasi; muitire tenzi waŋgu Abrahama ŋgoni. Tarirai ndimire patsime remvura, ʋakunda ʋaʋanhu ʋeguta ʋoɓuɗa kuzocera mvura. Ɀino ŋgakuitwe kuti musikana wandicati kwaari: Nditurire ʋo ciroŋgo cako, ndinwe; kana akati: Inwai henyu, namakamera enyu ndicaanwisa ʋo; ŋgaaʋe iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naiɀoɀo ndicaziʋa kuti makaitira tenzi waŋgu ŋgoni. Ɀino wakaŋga asati apedza kutaura, Rebeka, wakaɓerekerwa Betueri, mŋanakomana waMirka, mukadzi waNahori, munuŋuna waAbrahama, wakaȿika aneciroŋgo pafudzi rake. Ɀino musikana uyu wakaŋga akanaka kwaɀo pameso ake, mhandara isina‐kumbozibga nomurume; akaɓurukira kutsime, akazadza ciroŋgo cake, akakwira ɀe. Ipapo muranda wakamhanyira kundosoŋgana naye, akati: Ƌondipa ʋo ɀimvura paciroŋgo cako, ndinwe. Iye akati: Inwai henyu, ishe waŋgu; akakurumidza kutura ciroŋgo cake paruʋoko rwake, akamunwisa. Wakati apedza kumunwisa, akati: Ndicacerera makamera enyu ʋo kuȿikira aguta. Akakurumidza, akaɗurura mvura yakaŋga iri muciroŋgo cake mucinwiro; akamhanyira kutsime kundocera ɀe, akacerera makamera ake ose. Murume akamutarisisa, anyerere, kuti aziʋe kana Jehova amufambisa ɀakanaka parwendo rwake, kana kwete. Makamera akati apedza kunwa, murume akatora cindori cendarama cakaita hafu yeshekeri rimŋe rendarama pakurema kwaco, neɀishoŋgo ɀiʋiri ɀamaʋoko ɀakaita mashekeri anegumi pakurema kwaɀo; akati: Uri mukunda waaniko — Ndiʋudze hako. Kumba kwaɓaɓa ʋako kunopokuʋata here? Iye akati: Ndiri mukunda waBetueri, mŋanakomana waMirka, waakaɓerekera Nahori. Akati kwaari ʋo: Tinabgo ʋuswa bgakawoma neɀokudya ɀizhinji, nopokuʋata ʋo. Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehova. Akati: Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama ŋgaaʋoŋgwe, usina‐kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kunatenzi waŋgu; kana ndirini, Jehova wakandifambisa, akandiȿitsa kuimba yehama dzatenzi waŋgu Ipapo musikana wakamhanya, akandoʋudza ʋeimba yamai ʋake mashoko iwaya. Ɀino Rebeka wakaŋga anehanɀadzi yainzi Rabani; Rabani akaɓuɗa, akamhanyira kumurume kutsime. Nokuti wakati aciʋona cindori neɀishoŋgo pamaʋoko ehanɀadzi yake, nokunzwa ʋo mashoko aRebeka, hanɀadzi yake, aciti: Ndiɀo ɀakataura murume kwandiri, akaenda kumurume, akamuwana amire pamakamera patsime. Akati: Pinda, iwe, wakaropafadzwa naJehova; unomirireiko kunze — Nokuti ndagadzira imba nenɀimbo yamakamera. Murume akapinda mumba; akasunuŋgura makamera, akapa makamera ʋuswa bgakawoma neɀokudya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzaʋarume ʋaakaŋga anaʋo. Ipapo ɀokudya ɀakaiswa pamberi pake kuti adye; asi iye wakati: Handiŋgadyi ndisati ndambotaura mashoko aŋgu. Akati: Taura hako. Iye akati: Ndiri muranda waAbrahama. Jehova wakaropafadza tenzi waŋgu kwaɀo; waʋa mukuru; wakamupa makwai, neŋombe, nesirveri, nendarama, naʋaranda, naʋarandakadzi, namakamera, nemboŋgoro. NaSara, mukadzi watenzi waŋgu, wakaɓerekera tenzi waŋgu mŋanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa ɀose ɀaanaɀo. Tenzi waŋgu akandipikisa, akati: Usatorera mŋanakomana waŋgu mukadzi kuʋanasikana ʋeKanani, pandigere munyika yaʋo; asi uende kunaʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu nokuhama dzaŋgu, undotorera mŋanakomana waŋgu mukadzi ikoko. Ndikati kunatenzi waŋgu: Ɀimŋe mukadzi haaŋgatendi kunditeʋera. Iye akati: Jehova wandinosifamba pamberi pake, ucatuma mutumŋa wake newe, akufambise ɀakanaka parwendo rwako; undotorera mŋanakomana waŋgu mukadzi kuhama dzaŋgu nokunaʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu; ucasunuŋgurwa pakupika kwako kwandiri kana waȿika kuhama dzaŋgu; kana ʋakaramba kukupa iye, ucasunuŋgurwa pakupika kwako kwandiri. Ɀino ndakaȿika nhasi kutsime, ndikati: Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama, kana muciɗa kundifambisa ɀakanaka parwendo rwaŋgu rwandinofamba, tarirai, ndimire patsime remvura; ɀino ŋgaɀiitwe, kuti musikana unoɓuɗa kuzocera mvura, wandicati kwaari: Ƌondipa ʋo ɀimvura paciroŋgo cako, ndinwe, iye akati kwandiri: Inwai henyu, imi, ʋuye ndicacerera makamera enyu ʋo, iye aʋe mukadzi wakatsaurirwa mŋanakomana watenzi waŋgu naJehova. Ɀino ndisati ndapedza kutaura mumŋoyo maŋgu, ndikaʋona Rebeka aciʋuya aneciroŋgo cake pafudzi rake; akaɓurukira kutsime, akacera; ndikati kwaari: Ƌondipa ʋo, ndinwe. Iye akakurumidza, akatura ciroŋgo cake pafudzi rake, akati: Inwai henyu, ʋuye ndicanwisa makamera enyu ʋo; ini ndikanwa, akanwisa makamera ʋo. Ɀino ndakamubvunza, ndikati: Uri mukunda waaniko — Iye akati: Ndiri mukunda waBetueri, mŋanakomana waNahori, waakaɓerekerwa naMirka; ipapo ndakaisa cindori mumhino dzake, neɀishoŋgo pamaʋoko ake. Ndikakotamisa musoro waŋgu, ndikanamata Jehova, ndikaʋoŋga Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mŋanakomana watenzi waŋgu mukunda womunuŋuna watenzi waŋgu, kuti aʋe mukadzi wake. Ɀino kana muciɗa kuitira tenzi waŋgu noʋunyoro nokutendeka, mundiʋudze; kana musiŋgaɗi, mundiʋudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruɓoshwe. Ipapo Rabani naBetueri ʋakapindura, ʋakati: Cinhu ici cinobva kunaMŋari: isu hatigoni kutaura kwauri ɀakaipa kana ɀakanaka. Tarira, Rebeka uri pamberi pako, umutore, uende, kuti aʋe mukadzi wake, seɀakarebga naJehova.

Verenga chikamu Genesi 24