Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 22:2-13

Genesi 22:2-13 SUB1949

Akati: Ɀino tora mŋanakomana wako, mŋanakomana wako mumŋe cete, waunoɗa, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite ciɓayiro cinopiswa panerimŋe gomo randicakuʋudza. Abrahama akamuka maŋgwanani, akasuŋga mboŋgoro yake, akatora majaya ake maʋiri naIsaka, mŋanakomana wake, akatsemura huni dzeciɓayiro cinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunɀimbo yaakaʋudzwa naMŋari. Ɀino nomusi wetatu Abrahama akasimudza meso ake, akaʋona nɀimbo iyo ari kure. Abrahama akati kumajaya ake: Imi cigarai henyu pano nemboŋgoro, ini nomŋana ticaenda ikoko; ticambondonamata, tigodzokera kwamuri. Abrahama akatora huni dzeciɓayiro cinopiswa, akadzitakudza Isaka, mŋanakomana wake; akatora mŋoto neɓaŋga muruʋoko rwake, ʋakaenda ʋari ʋaʋiri. Isaka akataura naAbrahama, ɓaɓa ʋake, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu! Iye akati: Ndiri pano haŋgu, mŋana waŋgu. Akati: Hoyu mŋoto nehuni; asi gwaiana reciɓayiro cinopiswa riripiko? Abrahama akati: Mŋari ucapa amene gwaiana reciɓayiro cinopiswa, mŋana waŋgu; saiɀoɀo ʋakafamba ʋari ʋaʋiri. Ʋakandoȿika panɀimbo yaakaʋudzwa naMŋari; Abrahama akaʋaka’po artari, akagadzira huni, ndokusuŋga mŋanakomana wake, akamuisa paartari pamsoro pehuni. Ɀino Abrahama akatambanudza ruʋoko rwake, akatora ɓaŋga, kuti aɓaye mŋanakomana wake. Ipapo mutumŋa waJehova wakaɗanidzira kwaari, ari kuɗeŋga, akati: Abrahama! Abrahama! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Usaisa ruʋoko rwako kumŋana, usamuitira cinhu; nokuti ɀino ndinoziʋa kuti unotya Mŋari, ɀausina‐kundinyima mŋanakomana wako, iye mŋanakomana wako mumŋe cete. Abrahama akasimudza meso ake, akatarira, ndokuʋona shure kwake gondobge rakaŋga rakaɓatwa nyaŋga dzaro mugwenzi; Abrahama akatora gondobge iro, akaripisa cikaʋa ciɓayiro panɀimbo yomŋanakomana wake.

Verenga chikamu Genesi 22