Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 2:1-25

Genesi 2:1-25 SUB1949

Ƌeŋga nenyika ɀikapera saiɀoɀo, noʋuzhinji bgaɀo. Mŋari akapedza ɓasa rake raakaita nomusi wecinomŋe; akazorora nomusi wecinomŋe paɓasa rake rose raakaita. Mŋari akaropafadza musi wecinomŋe, akauita mutȿene; nokuti wakazorora nawo paɓasa rake rose, raakaŋga asika nokuita iye Mŋari. Ndiko kuʋamba kweɗeŋga nenyika, musi waɀakasikwa: Nezuʋa irero Jehova Mŋari raakasika naro nyika neɗeŋga, makwenzi esaŋgo akaŋga acigere kuʋa’po panyika, nemiriʋo yesaŋgo yakaŋga icigere kumera; nokuti Jehova Mŋari wakaŋga asati anisa mvura panyika, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu kuzorima pasi; asi mhute yaisikwira icibva panyika icinyoroʋesa nyika yose. Jehova Mŋari akaʋumba munhu neguruʋa revu, akafuridzira mŋeya woʋupenyu mumhino dzake; munhu akaʋa mŋeya mupenyu. Jehova Mŋari akasima munda muEdeni, kumabvazuʋa, akaisa’po munhu waakaŋga aʋumba. Jehova Mŋari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; ʋuye muti woʋupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa. MuEdeni mukaɓuɗa rwizi kuzoɗiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hoʋa inna. Zita rorwokutaŋga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavira, panendarama ipapo; ndarama yenyika iyeyo yakanaka; ʋuye ʋo panederiumu nebge reoniksi. Zita rorwizi rwecipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. Zita rorwizi rwecitatu ndiHidekeri; ndirwo runoyerera kumabvazuʋa kweAsiria. Rwizi rwecinna ndiYufratesi. Jehova Mŋari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdeni, kuti aurime nokuuceŋgeta. Jehova Mŋari akaraira munhu, aciti: Uŋgadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, ucafa ɀirokwaɀo. Jehova Mŋari akati ɀe. Haɀina‐kunaka kuti munhu agare ari woga; ndicamuitira muɓatsiri wakamukwanira. Jehova Mŋari akaʋumba nevu mhuka dzose dzesaŋgo, neshiri dzose dzeɗeŋga, akadziisa kumunhu kuti aʋone kuti ucadzitumidza mazita api; ɀipenyu ɀose seɀaɀakatumidzwa nomunhu, ndiwo akaʋa mazita aɀo. Munhu akatumidza ɀipfuwo ɀose mazita, neshiri dzeɗeŋga, nemhuka dzose dzesaŋgo; asi kwakashaikwa muɓatsiri wakamukwanira iye munhu. Ipapo Jehova Mŋari wakaʋatisa munhu hope huru, akaʋata; akatora rumbabvu rwake rumŋe, akadziʋira nyama panɀimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehova Mŋari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. Munhu akati: Ɀino uyu ifupa ramafupa aŋgu, nenyama yenyama yaŋgu; ucatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume. Naiɀoɀo munhu unofanira kusiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake, ʋaʋe nyama imŋe. Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaŋga ʋasina‐kusimira, munhu nomukadzi wake, asi haʋana‐kunyara.

Verenga chikamu Genesi 2