Ƌeŋga nenyika ɀikapera saiɀoɀo, noʋuzhinji bgaɀo. Mŋari akapedza ɓasa rake raakaita nomusi wecinomŋe; akazorora nomusi wecinomŋe paɓasa rake rose raakaita. Mŋari akaropafadza musi wecinomŋe, akauita mutȿene; nokuti wakazorora nawo paɓasa rake rose, raakaŋga asika nokuita iye Mŋari.
Ndiko kuʋamba kweɗeŋga nenyika, musi waɀakasikwa: Nezuʋa irero Jehova Mŋari raakasika naro nyika neɗeŋga, makwenzi esaŋgo akaŋga acigere kuʋa’po panyika, nemiriʋo yesaŋgo yakaŋga icigere kumera; nokuti Jehova Mŋari wakaŋga asati anisa mvura panyika, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu kuzorima pasi; asi mhute yaisikwira icibva panyika icinyoroʋesa nyika yose. Jehova Mŋari akaʋumba munhu neguruʋa revu, akafuridzira mŋeya woʋupenyu mumhino dzake; munhu akaʋa mŋeya mupenyu. Jehova Mŋari akasima munda muEdeni, kumabvazuʋa, akaisa’po munhu waakaŋga aʋumba. Jehova Mŋari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; ʋuye muti woʋupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa. MuEdeni mukaɓuɗa rwizi kuzoɗiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hoʋa inna. Zita rorwokutaŋga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavira, panendarama ipapo; ndarama yenyika iyeyo yakanaka; ʋuye ʋo panederiumu nebge reoniksi. Zita rorwizi rwecipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. Zita rorwizi rwecitatu ndiHidekeri; ndirwo runoyerera kumabvazuʋa kweAsiria. Rwizi rwecinna ndiYufratesi. Jehova Mŋari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdeni, kuti aurime nokuuceŋgeta. Jehova Mŋari akaraira munhu, aciti: Uŋgadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, ucafa ɀirokwaɀo.
Jehova Mŋari akati ɀe. Haɀina‐kunaka kuti munhu agare ari woga; ndicamuitira muɓatsiri wakamukwanira. Jehova Mŋari akaʋumba nevu mhuka dzose dzesaŋgo, neshiri dzose dzeɗeŋga, akadziisa kumunhu kuti aʋone kuti ucadzitumidza mazita api; ɀipenyu ɀose seɀaɀakatumidzwa nomunhu, ndiwo akaʋa mazita aɀo. Munhu akatumidza ɀipfuwo ɀose mazita, neshiri dzeɗeŋga, nemhuka dzose dzesaŋgo; asi kwakashaikwa muɓatsiri wakamukwanira iye munhu. Ipapo Jehova Mŋari wakaʋatisa munhu hope huru, akaʋata; akatora rumbabvu rwake rumŋe, akadziʋira nyama panɀimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehova Mŋari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. Munhu akati: Ɀino uyu ifupa ramafupa aŋgu, nenyama yenyama yaŋgu; ucatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume. Naiɀoɀo munhu unofanira kusiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake, ʋaʋe nyama imŋe. Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaŋga ʋasina‐kusimira, munhu nomukadzi wake, asi haʋana‐kunyara.