Abrama wakati aȿika makore anamakumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, Jehova akaɀiratidza kunaAbrama, akati kwaari: Ndini Mŋari wamasimba ose; famba pamberi paŋgu, uʋe wakarurama. Ndicaita suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, ndicakuwanza kwaɀo. Ipapo Abrama akawira pasi neciso cake, Mŋari akataura naye, akati: Kana ndirini, tarira, suŋgano yaŋgu inewe, ucaʋa ɓaɓa ʋendudzi zhinji‐zhinji. Zita rako haricazonzi Abrama, asi zita rako ricanzi Abrahama; nokuti ndakakuita ɓaɓa ʋendudzi zhinji‐zhinji. Ndica kuɓerekesa ʋana ʋazhinji‐zhinji; ndicakuita ndudzi, namadzimambo acabva kwauri. Ndicasimbisa suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera pamarudzi aʋo ose, kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi; ndicaʋa Mŋari wako nowaʋana ʋako ʋanokuteʋera. Ndicakupa iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKanani yose, kuti iʋe yako nokusiŋgaperi; ini ndicaʋa Mŋari waʋo. Mŋari akati ʋo kunaAbrahama: Kana uri’we, ceŋgeta suŋgano yaŋgu, iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera pamarudzi aʋo ose. Ndiyo suŋgano yaŋgu, yamunofanira kuceŋgeta pakati paŋgu nemi naʋana ʋako ʋanokuteʋera: Ʋanakomana ʋose pakati penyu ŋgaʋadziŋgiswe. Mudziŋgiswe panyama yecikanda cenyu capamberi, kuti ciʋe ciratidzo cesuŋgano iri pakati paŋgu nemi Mŋanakomana unamazuʋa masere pakati penyu ŋgaadziŋgiswe, mukomana mumŋe nomumŋe pamarudzi enyu, kana akaɀarwa mumba, kana akateŋgwa nemari kuʋatorwa ʋapi naʋapi, ʋasati ʋari ʋaʋana ʋako. Wakaɀarwa mumba mako, nowakateŋgwa nemari, ʋanofanira kudziŋgiswa; suŋgano yaŋgu iʋe panyama yenyu, iʋe suŋgano isiŋgaperi. Munhurume usina‐kudziŋgiswa, usina‐kudziŋgiswa panyama yecikanda cake capamberi, munhu wakaɗai unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; wakaputsa suŋgano yaŋgu.
Mŋari akati ʋo kunaAbrahama: Kana ari Sarai, mukadzi wako, haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake ricanzi Sara; ndicamuropafadza iye, ndikupe mŋanakomana kwaari; ndicamuropafadza iye, kuti aʋe mai ʋendudzi; madzimambo aʋanhu acabva maari.