Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 1:1-9

Genesi 1:1-9 SUB1949

Pakutaŋga Mŋari wakasika ɗeŋga nenyika. Nyika yakaŋga isina-kugadzirwa, isinecinhu; rima rakaŋga riri’po pamsoro pemvura yakadzika; Mŋeya waMŋari wakaŋga acigarira pamsoro pemvura. Mŋari akati: Ciedza ŋgaciʋe’po, ciedza cikaʋa’po. Mŋari akaʋona ciedza, kuti cakanaka; Mŋari akaparadzanisa ciedza nerima. Mŋari akatumidza ciedza, akati Masikati, nerima akaritumidza, akati Ʋusiku. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa rimŋe. Mŋari akati: Nɀimbo ŋgaiʋe’po pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. Mŋari akaita nɀimbo; akaparadzanisa mvura yakaŋga iri pasi penɀimbo, nemvura yakaŋga iri pamsoro penɀimbo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akatumidza nɀimbo, akati Ƌeŋga. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa repiri. Mŋari akati: Mvura iri pasi peɗeŋga ŋgaiʋuŋgane pamŋe cete, kuti pasi pakawoma paʋonekwe; ɀikaita saiɀoɀo.

Verenga chikamu Genesi 1