Hama dzaŋgu, kunyaŋge munhu akaɓatwa panokumŋe kuɗarika, imi ʋoMŋeya mudzose wakaɗai nomŋoyo woʋunyoro; uciɀicenjerera iwe, kuti urege kuidzwa ʋo. Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saiɀoɀo. Nokuti kana munhu aciti, ndiri cinhu, asati ari cinhu, unoɀinyeŋgera iye. Ɀino munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaidze ɓasa rake amene, ipapo uŋgaɀirumbidza pamsoro pake iye amene oga, asiŋgaɀiiti pamsoro pomumŋe. Nokuti munhu mumŋe nomumŋe ucafanira kutakura mutoro wake. Ɀino unodzidziswa Shoko, ŋgaagoʋane nounodzidzisa paɀinhu ɀose ɀakanaka. Musanyeŋgerwa; Mŋari haasekwi; nokuti iɀo ɀinodɀara munhu, ndiɀo ɀaanoceka ɀe. Nokuti unodɀarira nyama yake, ucaceka kuʋora, kunobva panyama; asi unodɀarira Mŋeya, ucaceka ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgunobva kuMŋeya. Ɀino ŋgatirege kuneta pakuita ɀakanaka; nokuti tinozoceka neŋguʋa yakafanira, kana tisiŋgaʋori mŋoyo. Ɀino ɀatineŋguʋa, ŋgatiitire ʋose ɀakanaka, ɀikuru kunaʋeimba yokutenda. Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruʋoko rwaŋgu. Ʋose ʋanoɗa kunzi ʋakanaka pane‐ɀinoʋonekwa panyama, ndiʋo ʋanokuroʋererai kuti mudziŋgiswe; ʋanoɗaro ɓedzi kuti ʋarege kutambudzwa nokuɗa kwomucinjikwa waKristu.
Verenga chikamu ƲaGaratia 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaGaratia 6:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo