Ɀino ndinoti: Fambai noMŋeya, ipapo hamuŋgaiti kuciʋa kwenyama. Nokuti nyama inociʋa icirwa noMŋeya; noMŋeya ucirwa nenyama; nokuti iɀi ɀinorwisana; kuti murege kuita ɀamunoɗa. Asi kana mucituŋgamirirwa noMŋeya, hamuzi pasi pomurairo. Ɀino maɓasa enyama anoʋonekwa, anoti: Ʋupombge, netȿina, noʋutere, nokunamata ɀifananidzo, noʋuroyi, nokuʋeŋgana, negakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari.
Verenga chikamu ƲaGaratia 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaGaratia 5:16-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo