Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, undomuʋudza, uti: Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaHeberu: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate. Nokuti kana ukaramba kuʋatendera, ukaramba uciʋadziʋisa, tarira, ruʋoko rwaJehova rucaʋa pamsoro peɀipfuwo ɀako ɀiri kusaŋgo, napamsoro pamabiza, napamsoro pemboŋgoro, napamsoro pamakamera, napamsoro peŋombe, napamsoro peɀipfuwo ɀiɗuku; hosha yakaipa kwaɀo icaʋa’po. Jehova ucaraʋura ɀipfuwo ɀaʋaIsraeri paɀipfuwo ɀaʋaEgipita; hapanecimŋe ciŋgafa paɀipfuwo ɀose ɀaʋaIsraeri. Ɀino Jehova akatara ŋguʋa, akati: Maŋgwana Jehova ucaita cinhu ici munyika ino. Fume maŋgwana Jehova akaita cinhu ico, ɀipfuwo ɀose ɀeEgipita ɀikafa; asi paɀipfuwo ɀaʋana ʋaIsraeri hapana‐ɀakafa, kunyaŋge necimŋe cete. Farao akatuma ʋanhu, ʋakawana kuti paɀipfuwo ɀaʋaIsraeri hapana‐ɀakafa, kunyaŋge necimŋe cete. Asi mŋoyo waFarao wakaʋa mukukutu, akasatendera ʋanhu kuenda.
Ɀino Jehova akati kunaMosesi naAroni: Torai tsama dzamaɗota ecoto, Mosesi aakushire kuɗeŋga pamberi paFarao. Acashanduka guruʋa rakatsetseka panyika yose yeEgipita, aciita mamota anoputika semhoni paʋanhu napaɀipfuwo ɀose ɀeEgipita. Iʋo ʋakatora maɗota ecoto, ʋakamira pamberi paFarao, Mosesi akaakushira kuɗeŋga, akaita mamota anoputika semhoni paʋanhu napaɀipfuwo. Ɀino ŋaŋga dzakaŋga dzisiŋgagoni kumira pamberi paMosesi nokuɗa kwamamota, nokuti mamota akaŋga ari paŋaŋga napaʋaEgipita ʋose. Asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova kunaMosesi.
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Fumira maŋgwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaHeberu: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate. Nokuti neŋguʋa ino ndicatuma maɗambudziko aŋgu ose pamsoro pomŋoyo wako, napamsoro paʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, uziʋe kuti hapana‐wakafanana neni panyika dzose. Nokuti ɗai ndisakaɗaro, ndiŋgaɗai ndaitambanudza ruʋoko rwaŋgu, ndikakuroʋa iwe naʋanhu ʋako nehosha yakaipa, ukaparadzwa cose panyika; asi ɀirokwaɀo ndakakuraramisa nokuɗa kwaiɀoɀo, kuti ndikuratidze simba raŋgu, ʋuye kuti zita raŋgu rikurumbire kunyika dzose. Ɀino ucaramba uciŋgoɀikudza ucirwa naʋanhu ʋaŋgu, usiŋgaɗi kuʋatendera kuenda here? Tarira, maŋgwana, neŋguʋa yakaita seino, ndicanisa cimvuramabge cakaipa kwaɀo, cisina‐kumboʋa’po paEgipita kubva pakuʋambga kwayo kuȿikira ɀino. Naiɀoɀo ɀino tuma ʋanhu, uʋuŋganidze ɀipfuwo ɀako neɀose ɀaunaɀo kusaŋgo, nokuti ʋanhu ʋose neɀipfuwo ɀose ɀinowanikwa kusaŋgo, ɀisina‐kuiswa mudzimba, ɀicarobga necimvuramabge ɀikafa. Ɀino ʋakatya shoko raJehova pakati paʋaranda ʋaFarao ʋakaraira kuti ʋaranda ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo ɀitizire mudzimba. Asi ʋakaŋga ʋasiŋgatereri shoko raJehova, ʋakarega ʋaranda ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo kusaŋgo.
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako kuɗeŋga, cimvuramabge ciʋe’po panyika yose yeEgipita, pamsoro paʋanhu, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro pemiriʋo yose yeminda panyika yose yeEgipita. Mosesi akatambanudzira tȿimbo yake kuɗeŋga, Jehova akatuma kutinhira necimvuramabge, mŋoto wemheni ukaroʋa pasi: Jehova akanisa cimvuramabge panyika yeEgipita. Cimvuramabge cikaʋa’po, nomŋoto wakaveŋgana necimvuramabge, cikanyanya kwaɀo, cisina‐kumboʋa’po panyika yose yeEgipita, kubva pakutaŋga kworudzi ipapo. Cimvuramabge cikaroʋa ɀose ɀakaŋga ɀiri kusaŋgo, ʋanhu neɀipfuwo, panyika yose yeEgipita; cimvuramabge cikaroʋa miriʋo yose yeminda, cikavuna miti yose yesaŋgo. Asi munyika yeGosheni ɓedzi, imo makaŋga munaʋana ʋaIsraeri, ndi’po pakaŋga pasinecimvuramabge. Ɀino Farao akatuma ʋanhu kundoɗana Mosesi naAroni, akati kwaʋari: Ŋguʋa ino ndatadza; Jehova wakarurama, asi ini naʋaranda ʋaŋgu takaipa. Nyeŋgeterai kunaJehova, nokuti kutinhira kukuru kwaMŋari necimvuramabge ɀariŋgana; ndicakutenderai kuenda, murege kugara. Mosesi akati kwaari: Kana ndaŋgoɓuɗa paguta, ndicatambanudzira maʋoko aŋgu kunaJehova; ipapo kutinhira kucanyarara, necimvuramabge hacicazoʋi’po; mucaziʋa kuti nyika yose ndeyaJehova. Asi kana muri’mi naʋaranda ʋenyu, ndinoziʋa kuti hamuŋgatyi Jehova Mŋari. Miti yorucinda nebari ɀikarobga, nokuti bari yakaŋga yatumbuka, nemiti yorucinda yakaŋga yaʋa namaruʋa. Asi ɀiyo ɀekoroni neɀesipereti haɀina‐kurobga, nokuti ɀakaŋga ɀisinakukura. Ɀino Mosesi akaɓuɗa muguta pamberi paFarao, akatambanudzira maʋoko ake kunaJehova, kutinhira necimvuramabge ɀikanyarara, nemvura ikasaɗururirwa panyika. Ɀino Farao wakati aʋona kuti mvura necimvuramabge nokutinhira ɀanyarara, akawedzera kutadza, akawomesa mŋoyo wake, iye naʋaranda ʋake. Mŋoyo waFarao ukawomeswa, akasatendera ʋana ʋaIsraeri kuenda; seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo waMosesi.