Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 16:4-20

Eksodo 16:4-20 SUB1949

Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete. Ɀino nomusi wetanhatu kana ʋogadziraiɀo ɀaʋaʋuya naɀo, ɀicaita ɀiyero ɀiʋiri kana ʋacienzanisa neciyero caʋanosiʋuŋganidza zuʋa rimŋe nerimŋe. Ɀino Mosesi naAroni ʋakati kuʋana ʋaIsraeri ʋose: Maɗekwana mucaziʋa kuti Jehova ndiye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita. Fume maŋgwana mucaʋona kubginya kwaJehova, nokuti iye wakanzwa kupopota kwamakapopotera Jehova nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Mosesi akati: Mucaʋona iɀoɀo kana Jehova acikupai nyama maɗekwana, mukaidya, namaŋgwana kana acikupai ɀiŋgwa, mukaguta; nokuti Jehova wakanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehova. Mosesi akati kunaAroni: Ʋudza ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti: Sweɗerai pamberi paJehova, nokuti wakanzwa kupopota kwenyu. Ɀino Aroni wakati acataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakatarira kurutiʋi rwokurenje, ʋakaʋona kubginya kwaJehova kuciratidzwa mugore. Jehova akataura naMosesi, akati: Ndanzwa kupopota kwaʋana ʋaIsraeri; taura naʋo, uti: Maɗekwana mucadya nyama, fume maŋgwana mucaguta ɀiŋgwa; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu. Ɀino maɗekwana ɀihuta ɀikakwira, ɀikafukidza misasa; fume maŋgwana ɗoʋa rakaŋga rakapoteredza misasa Ɀino ɗoʋa rakaŋga riri pasi rakati radzimuka, ʋakaʋona ɀinhu ɀiɗuku ɀakaʋuruŋgana ɀakaŋga ɀiri pasi murenje, ɀiɗuku secando pavu. Ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakabvunzana, ʋaciti: Cinyiko? Nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiziʋi. Mosesi akati kwaʋari: Ndico ciŋgwa camapiwa naJehova kuti mudye. Ɀino heri shoko rakarairwa naJehova: Muɀiʋuŋganidzire cinhu ico, mumŋe nomumŋe seɀaanosidya; munhu mumŋe nomumŋe omeri imŋe, muciʋereŋga ʋanhu ʋenyu, mumŋe nomumŋe atorere ʋari mutente rake. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo, ʋamŋe ʋakaʋuŋganidza ɀizhinji, ʋamŋe ɀishoma. Ɀino ʋakati ʋoɀiidza neomeri, uyo wakaŋga aʋuŋganidza ɀizhinji haana‐kusarirwa necinhu, naiye wakaŋga aʋuŋganidza ɀishoma haana‐kushaiwa; mumŋe nomumŋe wakaŋga aʋuŋganidza seɀaaisidya. Mosesi akati kwaʋari: Kurege kuʋa nomunhu unosiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana. Asi haʋana‐kuterera Mosesi, asi ʋamŋe ʋakasiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana; ɀikazara nehonye, ɀikanhuwa; Mosesi akaʋatsamŋira.

Verenga chikamu Eksodo 16