Ipapo Mordekai akaʋaraira kuti ʋapindure Estere, ʋati: Usati iwe ucapukunyuka mumba mamambo kupfuʋura ʋamŋe ʋaJuda ʋose. Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here? Ipapo Estere akaraira kuti ʋapindure Mordekai, ʋati: Endai mukokere ʋaJuda ʋose ʋari paShushani, muɀinyime ɀokudya nokuɗa kwaŋgu; regai kudya kana kunwa mazuʋa matatu, ʋusiku namasikati; neni ʋo naʋasikana ʋaŋgu ticaɀinyima ɀokudya saiɀoɀo; ipapo ndicapinda kunamambo, kunyaŋge ɀisina‐kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara haŋgu. Naiɀoɀo Mordekai akaenda hake akandoita ɀose ɀaakarairwa naEstere.
Verenga chikamu Estere 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Estere 4:13-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo