Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaEfeso 4:1-7

ƲaEfeso 4:1-7 SUB1949

Naiɀoɀo ini musuŋgwa munaShe, ndinokumbira ɀikuru kuti mufambe ɀakafanira kuɗanwa kwamakaɗanwa nako, nokuɀininipisa kwose noʋunyoro, nomŋoyo murefu, muciitirana mŋoyo murefu muruɗo; mucishiŋgaira kuceŋgeta ʋumŋe bgoMŋeya mucisuŋgo corugare. Kunomuʋiri mumŋe, noMŋeya mumŋe, seɀamakaɗanwa ʋo mutariro imŋe yokuɗanwa kwenyu; Ishe mumŋe, nokutenda kumŋe, norubapatidzo rumŋe, naMŋari mumŋe, naƂaɓa ʋaʋose, uri pamsoro paʋose, unoɓata naʋose, uri mukati maʋose. Asi mumŋe nomumŋe weɗu wakapiwa nyasha neciyero cecipo caKristu.

Verenga chikamu ƲaEfeso 4