Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 9:1-12

Muparidzi 9:1-12 SUB1949

Nokuti iɀoɀo ɀose ndakaɀiraŋgarira nomŋoyo waŋgu, kuti ndinzwisise iɀoɀi ɀose, kuti ʋakarurama naʋakacenjera ʋari paruʋoko rwaMŋari, pamŋe cete namaɓasa aʋo; kana kuri kuɗa kana kuʋeŋga, munhu haaɀiziʋi; ɀose ɀiri mberi kwaʋo. Ɀose ɀinoenzanisirwa ʋose; cinhu cimŋe cinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakacena nounetȿina, unoɓayira nousiŋgaɓayiri, wakanaka nomutadzi, unopika nounotya kupika. Cinhu ici cakaipa pakati peɀose ɀinoitwa pasi pezuʋa, kuti cinhu cimŋe ciitirwe ʋose; ɀirokwaɀo ʋo, mŋoyo yaʋanakomana ʋaʋanhu izere neɀakaipa, ʋuye ʋupeŋgo ʋuri mumŋoyo yaʋo ʋaciri ʋapenyu; shure kwaiɀoɀo ʋanoenda kuʋakafa. Nokuti kana munhu aciri pakati paʋapenyu ʋose, ucinecinhu caaŋgatarira; nokuti imbga mhenyu inopfuʋura shumba yakafa. Nokuti ʋapenyu ʋanoziʋa kuti ʋacazofa, asi ʋakafa haʋana‐caʋanoziʋa, kunyaŋge nomuɓairo haʋacina; nokuti haʋacaraŋgarirwi. Ruɗo rwaʋo, nokuʋeŋga kwaʋo, negoɗo raʋo, ɀose ɀaŋguʋa ɀapera haɀo; haʋacinomugoʋe nokusiŋgaperi paɀose ɀinoitwa pasi pezuʋa. Enda ɀako, udye ɀokudya ɀako nomufaro, unwe waini yako nomŋoyo wakafara; nokuti Mŋari watofadzwa namaɓasa ako. Ŋguʋo dzako dzigare dzakacena; nomusoro wako urege kushaiwa mafuta. Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoɗa, mazuʋa ako ose asinamaturo, aakakupa pasi pezuʋa, mazuʋa ako ose asinamaturo; nokuti ndiwo mugoʋe wako paʋupenyu, ʋuye pakuɓata kwako kwaunoɓata pasi pezuʋa. Ɀose ɀinowana ruʋoko rwako, kuti ruɀiite, uɀiite nesimba rako rose; nokuti hakuneɓasa, kana zano, kana ziʋo, kana ʋucenjeri paSheori kwaunoenda. Ndakadzoka, ndikaʋona pasi pezuʋa, kuti unomhanyisa haazi iye unokunda, unesimba haazi iye unokunda pakurwa, wakacenjera haazi iye uneɀokudya, ʋanhu ʋanenjere haʋazi iʋo ʋanefuma, ʋanhu ʋanoʋumhizha haʋazi iʋo ʋanofarirwa; asi ʋanowirwa ʋose neŋguʋa neɀinoitika. Nokuti nomunhu ʋo haaziʋi ŋguʋa yake; sehoʋe, dzinoɓatwa murutaʋa rwakaipa, kana shiri, dzinoɓatwa murugombe, saiɀoɀo ʋanakomana ʋaʋanhu ʋanoteyiwa neŋguʋa yakaipa, kana yaʋawira kamŋe‐kamŋe.

Verenga chikamu Muparidzi 9