Ipapo ʋarume aʋa ʋakaʋuŋganira kunamambo ʋari ʋazhinji, ʋakati kunamambo: Ziʋai imi mambo, kuti ndiwo murairo waʋaMedia naʋaPersia, kuti cireʋo cipi necipi kana murau upi noupi wakatemŋa namambo, haɀiŋgashandurwi. Ipapo mambo wakaraira, ʋakaʋuya naDanieri ʋakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, ucakurwira. Ibge rikaʋuyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa necindori cake ʋuye necindori camadzishe ake; kuti kurege kuʋa necinhu cimŋe pamsoro paDanieri ciŋgashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake yoʋushe, akaʋata aciɀinyima ɀokudya; kunyaŋge neɀinoridzwa ɀipi neɀipi haɀina‐kuʋuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
Verenga chikamu Danieri 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Danieri 6:15-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo