Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 7:30-43

Maɓasa Aʋaapostora 7:30-43 SUB1949

Ɀino makore makumi manna akati apera, mutumŋa akaʋonekwa naye murenje regomo reSinai, mumuraɀo womŋoto mugwenzi. Mosesi akati aciɀiʋona, akashamiswa neɀaakaʋona; ɀino akati acisweɗera kuzocerekedza, inzwi raShe rikanzwika, riciti: Ndini Mŋari wamadziɓaɓa ako, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo. Ipapo Mosesi akaɗeɗera, akatya kucerekedza. Ɀino Ishe akati kwaari: Bvisa shaŋgu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivu dɀene. Ndakaʋona haŋgu kwaɀo kutambudzika kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndakanzwa kugomera kwaʋo, ndaɓuruka kuzoʋarwira; ɀino ʋuya ndikutume Egipita. Uyu Mosesi waʋakaramba, ʋaciti: Ndiani wakakuita muɓati nomutoŋgi? ndiye wakatumŋa naMŋari nomutumŋa wakaʋonekwa naye mugwenzi, kuti aʋe muɓati nomudzikinuri. Iye akaʋaɓuɗisa, akaita ɀinoshamisa neɀiratidzo munyika yeEgipita, napaGuŋgwa Dɀuku, nomurenje, makore anamakumi manna. Ndiyeye Mosesi wakati kuʋana ʋaIsraeri: Mŋari ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni. Ndiyeye wakaŋga ari kuʋuŋgano murenje, anomutumŋa wakataura naye mugomo reSinai, anamadziɓaɓa eɗu ʋo, wakagamucira mashoko mapenyu kuzotipa. Ndiye, waʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kumuterera iʋo madziɓaɓa eɗu; ʋakamuramba, ʋakadzokera Egipita nemŋoyo yaʋo. Ʋakati kunaAroni: Tiitire ʋamŋari, ʋaŋgatituŋgamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi ɀakaitika naye. Ɀino ʋakaita mhuru namazuʋa iwayo, ʋakaʋuya neciɓayiro kucifananidzo caʋo, ʋakafarira maɓasa amaʋoko aʋo. Ɀino Mŋari akaʋafuratira, akaʋarega kuti ʋashumire hondo yokuɗeŋga, seɀaɀakanyorwa mubuku yaʋaprofita, ɀicinzi: Ko makandiʋigira ɀipfuwo ɀakaɓayiwa neɀiɓayiro Makore makumi manna murenje, imi, imba yaʋaIsraeri here? Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamŋari wenyu Remfani, Ɀifananidzo ɀamakaita kuti muɀinamate; Ndicakutamisai mberi kweBabironi.