Muprista mukuru akati: Ɀinhu iɀi ndiɀo nhai? Iye akati: Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai: Mŋari wokubginya wakaɀiratidza kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋaciri Mesopotamia, ʋasati ʋagara Harani, akati kwaʋari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza. Ipapo akaɓuɗa munyika yaʋaKardia, akagara Harani. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, Mŋari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere ɀino.
Verenga chikamu Maɓasa Aʋaapostora 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Maɓasa Aʋaapostora 7:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo