Ɀino hama dzaŋgu, sanaŋgurai pakati penyu ʋarume ʋanomŋe, ʋanopupurirwa ɀakanaka, ʋazere noMŋeya noʋucenjeri, ʋatiŋgaisa paɓasa iri. Asi isu ticatsuŋgirira pakunyeŋgetera napaɓasa reshoko. Shoko iri rikafadza ʋazhinji ʋose, ʋakasanaŋgura Stefano, murume wakaŋga azere nokutenda noMŋeya Mutȿene, naFiripo, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naParmenasi, naNikorasi, muproserite weAntiokia. Ʋakaʋaisa pamberi paʋaapostora; ʋakanyeŋgetera, ʋakaisa maʋoko pamsoro paʋo. Shoko raMŋari rikakura, ʋadzidzi ʋakawanda ɀikuru paJerusarema; naʋaprista ʋazhinji ʋakagamucira kutenda.
Verenga chikamu Maɓasa Aʋaapostora 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Maɓasa Aʋaapostora 6:3-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo