Ɀino muprista mukuru akasimuka, naʋose ʋaiʋa naye (ʋaiʋa ʋedzidziso yaʋaSaduse), ʋanegoɗo kwaɀo; ʋakaɓata ʋaapostora ʋakaʋaisa mutoroŋgo maipinzwa ʋanhu ʋose. Asi mutumŋa waShe wakazarura mikoʋa yetoroŋgo ʋusiku, akaʋaɓuɗisa, akati: Endai, mumire mutembere mucitaura kuʋanhu mashoko ose oƲupenyu ubgu. Ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakapinda mutembere maŋgwanani, ʋakadzidzisa. Ɀino muprista mukuru naʋaiʋa naye, ʋakaȿika, ʋakakokera makurukota neʋuŋgano yose yaʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri; ʋakatumira ʋanhu kutoroŋgo kuzoʋuya naʋo. Asi ʋaranda ʋakati ʋaciȿika’po, ʋakawana ʋasi’mo mutoroŋgo; ʋakadzoka, ʋakaʋaʋudza iɀoɀo, ʋaciti: Toroŋgo takaiwana yakazarirwa ɀakasimba kwaɀo, naʋarindi ʋakarindira pamikoʋa; asi takati ticizarura, tikasawana munhu mukati. Ɀino mukuru wetembere, naʋaprista ʋakuru, ʋakati ʋacinzwa mashoko iwayo, ʋakakaŋganiswa pamsoro paɀo, ʋasiŋgaziʋi kuti ɀinozoɗini. Ipapo mumŋe munhu akaȿika, akaʋaʋudza, aciti: Tarirai, ʋarume ʋamakaisa mutoroŋgo, ʋaʋa mutembere, ʋamire ʋacidzidzisa ʋanhu. Ɀino mukuru naʋatariri ʋakaenda, ʋakaʋuya naʋo, ʋasiŋgaiti nesimba, nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu, kuti ʋaŋgatakwa namabge. Ʋakati ʋaȿika naʋo, ʋakaʋaisa kumakurukota. Muprista mukuru akaʋabvunza, aciti: Takakurairai ɀikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, ɀino tarirai, mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu, muciɗa kuti ropa romunhu uyu riʋuye pamsoro peɗu. Ɀino Petro naʋaapostora ʋakapindura, ʋakati: Tinofanira kuterera Mŋari kupfuʋura ʋanhu. Mŋari wamadziɓaɓa eɗu wakamutsa Jesu, iye wamakaʋuraya mucimuturika pamuti.