Ɀino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundoɗana ʋakuru ʋekereke. Ʋakati ʋaȿika kwaari, akati kwaʋari:
Imi munoziʋa mugarire waŋgu pakati penyu ŋguʋa dzose, kubva pazuʋa rokutaŋga randakaȿika naro paAsia; ndiciɓatira Ishe nokuɀininipisa ɀikuru, nemisodzi, namaɗambudziko akandiwira neraŋgano dzakaipa dzaʋaJuda; kuti handina‐kutya kukuparidzirai ɀiŋgakuɓatsirai nokukudzidzisai pacena padzimba dzose; ndicipupurira kwaɀo ʋaJuda naʋaGiriki, kuti ʋatendeʋukire kunaMŋari, nokutenda kunaShe weɗu Jesu. Ɀino tarirai, ndinoenda Jerusarema, ndasuŋgwa mŋeya waŋgu, ndisiŋgaziʋi ɀicandiwira ikoko; asi kuti Mŋeya Mutȿene unondipupurira kwaɀo muguta rimŋe nerimŋe, kuti kusuŋgwa nenhamo ɀakandigarira. Asi handinehanya noʋupenyu bgaŋgu, handibguɗi, kuti ndipedze rwendo rwaŋgu neɓasa randakapiwa naShe Jesu, rokupupura kwaɀo Evaŋgeri yenyasha dzaMŋari. Ɀino tarirai, ndinoziʋa kuti imi mose, ʋandakafamba pakati penyu, ndiciparidza ʋushe bgaMŋari, hamucazoʋoni ciso caŋgu. Naiɀoɀo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakacena paropa raʋanhu ʋose. Nokuti handina‐kutya kukuparidzirai kuɗa kwose kwaMŋari. Ɀicenjerei imi, neɓoka rose ramakaitirwa ʋatariri ʋaro noMŋeya Mutȿene, kuti mufudze kereke yaMŋari, yaakateŋga neropa rake. Ini ndinoziʋa kuti kana ndaenda, mapere anoparadza acapinda pakati penyu, asiŋgaregi ɓoka. Ʋuye, napakati penyu pamene pacamuka ʋarume, ʋacataura ɀinopesanisa, kuti ʋatsause ʋadzidzi ʋaʋateʋere. Naiɀoɀo rindai, muraŋgarire kuti makore matatu handina‐kurega ʋusiku namasikati kuraira mumŋe nomumŋe nemisodzi. Ɀino ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba rokukuʋakisai, nokukupai nhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene ʋose. Handinakucocora sirveri, kana ndarama, kana ŋguʋo dzomunhu mumŋe. Munoziʋa imi mumene, kuti maʋoko awa akaɓatira kushaiwa kwaŋgu nokwaʋanhu ʋandaiʋa naʋo. Paɀinhu ɀose ndakakuratidzai, kuti muciɓata muciɗai, munofanira kuɓatsira ʋasinesimba, nokuraŋgarira mashoko aShe Jesu, seɀaakataura amene aciti: Kupa kunomufaro caiwo kupfuʋura kugamucira.