Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 2:42-47

Maɓasa Aʋaapostora 2:42-47 SUB1949

Ʋakatsuŋgirira pakudzidzisa kwaʋaapostora, napakuyanana kwaʋo, napakumeɗura ciŋgwa, napaminyeŋgetero. Ʋanhu ʋose ʋakaɓatwa nokutya; ɀinoshamisa ɀizhinji neɀiratidzo ɀikaitwa naʋaapostora. Naʋaitenda ʋose, ʋaiʋa pamŋe cete, ʋakati ɀinhu ɀose ndeɀaʋose; ʋakateŋgesa fuma yaʋo nenhumbi, ʋakagoʋana naʋose, mumŋe nomumŋe paakashaiwa napo. Ɀuʋa rimŋe nerimŋe ʋakaŋga ʋacitsuŋgirira mutembere nomŋoyo mumŋe, ʋacimeɗura ciŋgwa mudzimba dzaʋo, ʋacidya ɀokudya ɀaʋo nomufaro nomŋoyo wakanaka, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciɗikanwa naʋanhu ʋose. Ishe akawedzera kwaʋari zuʋa rimŋe nerimŋe aʋo ʋaiponeswa.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMaɓasa Aʋaapostora 2:42-47