Naiɀoɀo Petro akaceŋgetwa mutoroŋgo; asi wakaŋga acinyeŋgetererwa ɀikuru nekereke kunaMŋari. Ɀino Herode wakati oɗa kumuɓuɗisa, ʋusiku ibgobgo Petro wakaŋga aʋete pakati paʋarwi ʋaʋiri, akasuŋgwa namaketani maʋiri; naʋarindi ʋakaŋga ʋacirinda toroŋgo pamberi pomukoʋa. Ipapo, tarira, mutumŋa waShe akamira’po, ciedza cikapenya mumba; akaroʋa Petro parutiʋi, ndokumumutsa, aciti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamaʋoko ake. Mutumŋa akati kwaari: Ɀisuŋge ciʋuno, usuŋgire shaŋgu dzako. Akaita saiɀoɀo. Akati kwaari: Fuka ŋguʋo yako, unditeʋere. Akaɓuɗa, akamuteʋera, asiŋgaziʋi kuti ɀirokwaɀo ɀinoitwa nomutumŋa; asi wakati ndinoʋona ciratidzo. Ɀino ʋakati ʋapfuʋura murindi wokutaŋga nowecipiri, ʋakaȿika pasuʋo ramatare, paʋaipinda napo paguta; rikaŋgoʋazarukira roga; ʋakaɓuɗa, ʋakapfuʋura neimŋe nzira, mutumŋa ndokubva kwaari pakarepo. Petro wakati apeŋgenuka, akati: Ɀino ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti Ishe wakatuma mutumŋa wake, akandirwira paruʋoko rwaHerode napaɀose ɀakaŋga ɀicifuŋgwa naʋanhu ʋaʋaJuda. Ɀino wakati araŋgarira iɀoɀo, akaenda kumba kwaMaria, mai ʋaJohane, wainzi Marko; ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana’po, ʋacinyeŋgetera. Ɀino wakati agogodza pagonhi resuʋo, musikana wainzi Rode akaʋuya kuzoterera. Iye akati acinzwa inzwi raPetro, akasazarura suʋo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akaʋaʋudza kuti Petro umire pasuʋo. Iʋo ʋakati kwaari: Unopeŋga. Asi iye wakasimbisa aciti ndiɀoɀo. Iʋo ʋakati: Mutumŋa wake. Asi Petro wakaramba acigogodza; ʋakazozarura, ʋakamuʋona, ʋakashamiswa.