Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutaŋga rweɀose ɀakataŋga kuitwa nokudzidziswa naJesu, kuȿikira zuʋa raakakwidzwa, amboraira noMŋeya Mutȿene ʋaapostora ʋaakaŋga asanaŋgura; ʋaakaɀiratidza ʋo kwaʋari neɀiratidzo ɀizhinji, ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, aciʋonekwa naʋo mazuʋa anamakumi manna, acitaura ɀinhu ɀoʋushe bgaMŋari; akaʋaraira, aʋuŋgana naʋo, kuti ʋarege kubva Jerusarema, asi ʋagarire cipikirwa caƂaɓa, aciti, ciya camakanzwa kwandiri; nokuti Johane, ɀirokwaɀo, wakabapatidza nemvura; asi imi mucabapatidzwa noMŋeya Musente, mazuʋa mazhinji asati apera.
Ɀino iʋo, ʋakati ʋaʋuŋgana, ʋakamubvunza, ʋaciti: Ishe, modzosera ʋushe kunaʋaIsraeri neŋguʋa ino here? Akati kwaʋari: Haɀina‐kufanira kuti muziʋe ŋguʋa kana misi yakatarwa naƂaɓa ʋamene nesimba raʋo. Asi mucapiwa simba, kana Mŋeya Mutȿene waʋuya pamsoro penyu; ipapo mucaʋa ɀapupu ɀaŋgu paJerusarema, napaJudea rose, napaSamaria, nokuȿikira kumugumo wenyika. Ɀino wakati areʋa iɀoɀi, akakwidzwa, ʋacitaririra; gore rikamubvisa, ʋakasazomuʋona. Ɀino ʋacitarisisa kuɗeŋga, iye acikwira, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋamira naʋo ʋakafuka ŋguʋo cena; iʋo ʋakati: Imi ʋarume ʋeGarirea, makamirireiko makatarira kuɗeŋga? Uyu Jesu, wakabʋa kwamuri, akakwidzwa kuɗeŋga, ucaʋuya saiɀoɀo, seɀamamuʋona acienda kuɗeŋga.