Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 ƲaKorinte 9:6-13

2 ƲaKorinte 9:6-13 SUB1949

Ɀino raŋgarirai cinhu ici: Unodɀara ɀishoma, ucaceka ʋo ɀishoma; unodɀara ɀizhinji, ucaceka ʋo ɀizhinji. Mumŋe nomumŋe ŋgaaite seɀaakafuŋga pamŋoyo; arege kuita nokucema, kana nokuroʋererwa; nokuti Mŋari unoɗa munhu unopa nomufaro. Mŋari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti ŋguʋa dzose muʋe nokuriŋgana kwose paɀose, kuti muwanze maɓasa ose akanaka; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iye wakaparadzira, iye wakapa ʋarombo; Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi. Ɀino iye, unopa mudɀari mbeu neciŋgwa, kuti ɀiʋe ɀokudya, ucakupai ʋo mbeu dzokudɀara acidziwanza, nokuwedzera ɀiɓereko ɀokururama kwenyu; mucifumiswa paɀose mugoziʋa kupa ɀakawanda, ɀinoti, kana ɀiciitwa nesu, Mŋari unoʋigirwa naɀo kuʋoŋga. Nokuti kushumira kwokuɓatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwaʋatȿene ɓedzi, asi kunowanzisa ʋo kuʋoŋga kunaMŋari; nokuɗa kweɀinoʋonekwa pakushumira uku ʋanorumbidza Mŋari, pamsoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evaŋgeri yaKristu, napamsoro pokupa kwenyu ɀakawanda kwaʋari nokunaʋose.