Ndinopamhidza, ndiciti: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unoti ndiri ɓenzi; asi kana muciɗaro henyu, ndigamucirei seɓenzi, kuti ndiɀirumbidze haŋgu ɀishoma ʋo. Ɀandinotaura, handiɀitauri seɀinobva kunaShe, asi sapaʋupenzi bgaŋgu, pakuɀitenda uku kwatinoɀirumbidza nako. Ʋazhinji ɀaʋanoɀirumbidza panyama, neni ʋo ndicaɀirumbidza. Nokuti munoitira mapenzi mŋoyo murefu nomufaro, imi muri ʋakacenjera; nokuti munoita nomŋoyo murefu kana munhu acikuitai ʋaranda, kana acikuparadzai, kana acikutapai, kana aciɀikudza, kana acikuroʋai kumeso. Ndinoreʋa ndiciɀishoʋora, ndiciti takaŋga tisinesimba kuɗaro. Ɀino kana kunomunhu unotsuŋga, (ndinotaura seɓenzi), neni ndinotsuŋga ʋo. Iʋo ʋaHeberu here? Neni ʋo. Iʋo ʋaIsraeri here? Neni ʋo. Iʋo ʋana ʋaAbrahama here? Neni ʋo. Iʋo ʋashumiri ʋaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopeŋga), ɀikuru ini; pamaɓasa ndinoʋapfuʋura, pakusuŋgwa patoroŋgo ndinoʋapfuʋura, pakurobga ɀikuru‐kuru, parufu kazhinji. Ndakarobga naʋaJuda kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamŋe. Katatu ndakarobga netȿimbo, kamŋe ndakatakwa namabge, katatu ndakaputsikirwa necikepe, ʋusiku bgumŋe namasikati ndakaŋga ndiri muguŋgwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzoʋorudzi rwaŋgu, panjodzi dzaʋahedeni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi muguŋgwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakuɓata napakutambura, pakuʋata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuɀinyima ɀokudya kazhinji, pacando napakushaiwa ɀokufuka. Kunze kwaiɀoɀi, ndinoremedzwa zuʋa rimŋe nerimŋe nokuraŋgarira kereke dzose. Ndianiko usinesimba, neni ndikasaʋa nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatȿa? Kana ndikafanira kuɀirumbidza, ndicaɀirumbidza neɀinhu ɀoʋutera bgaŋgu.