Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 9:5-8

II Makoronike 9:5-8 SUB1949

Akati kunamambo: Guhu randakanzwa munyika yaŋgu ramashoko enyu nokuŋgwara kwenyu rakaŋga riri raɀokwaɗi. Asi handina‐kutenda mashoko aʋo, kuȿikira ndaʋuya, ndikaʋona nameso aŋgu; asi tarirai handina‐kuʋudzwa kunyaŋge hafu yoʋukuru bgokuŋgwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa. Ʋarume ʋenyu ʋanomufarwa, naʋaranda ʋenyu aʋa ʋanomufarwa, ʋanomira pamberi penyu ŋguʋa dzose ʋacinzwa kuŋgwara kwenyu. Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pacigaro cake coʋushe, muʋe mambo waJehova Mŋari wenyu; nokuti Mŋari wenyu wakaɗa Israeri, kuti aʋasimbise nokusiŋgaperi, saka wakakuitai mambo waʋo, kuti mutoŋge nokururamisa.