Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 15:1-16

I Samueri 15:1-16 SUB1949

Ɀino Samueri akati kunaSauro: Jehova wakandituma kuti ndikuzodze, uʋe mambo waʋanhu ʋake iʋo ʋaIsraeri; naiɀoɀo ɀino cinzwa mashoko aJehova. Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakacerekedza ɀakaitirwa Israeri naʋaAmareki, kuti wakaʋadziʋirira panzira ŋguʋa yokubva kwaʋo Egipita. Ɀino cienda undokunda ʋaAmareki, uparadze cose ɀose ɀaʋanaɀo, usaʋarega; asi uʋuraye ʋarume naʋakadzi ʋose, naʋacece naʋanomŋa, neŋombe namakwai, namakamera nemboŋgoro. Sauro akaɗana ʋanhu, akaʋaʋereŋga paTeraimi, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana maʋiri ɀaʋaifamba namakumbo, naʋarume ʋaʋaJuda ʋaneɀuru ɀinegumi. Sauro akaȿika paguta raʋaAmareki, akaʋaʋandira pamupata. Sauro akati kuʋaKeni: Endai mubve, muɓuruke mubve pakati paʋaAmareki, ndirege kukuparadzai pamŋe cete naʋo; nokuti imi makaʋa nomŋoyo munyoro naʋana ʋose ʋaIsraeri, paŋguʋa yokuɓuɗa kwaʋo Egipita. Naiɀoɀo ʋaKeni ʋakabva pakati paʋaAmareki. Ipapo Sauro akaparadza ʋaAmareki, kubva paHavira kuȿikira paShuri, pakatarisana neEgipita. Akaɓata Agagi, mambo waʋaAmareki aciri mupenyu, akaparadza ʋanhu ʋose cose neminondo inopinza. Asi Sauro naʋanhu ʋakarega Agagi, namakwai akaiȿo‐naka, nedzimŋe ŋombe, neɀimŋe ɀakakora, namakwaiana, neɀose ɀakaŋga ɀakanaka, ʋakaramba kuɀiparadza cose; asi ɀose ɀaʋakaɀidza, ɀakaŋga ɀisino‐kunaka, ndiɀo ɀaʋakaparadza cose. Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSamueri, rikati: Ndinoɀiɗemba ɀandakagadza Sauro aʋe mambo, nokuti wadzoka, haacanditeʋeri, haana‐kuita seɀandakamuraira. Samueri akaʋa neshuŋgu, akacema kunaJehova ʋusiku bgose. Ɀino Samueri akamuka maŋgwanani kundosoŋgana naSauro. Samueri akaʋudzwa, ɀicinzi: Sauro wakaȿika Karmeri, akaɀimisira shoŋgwe, ɀino watsauka, wapfuʋura, waɓurukira Girgari. Samueri akaȿika kunaSauro, Sauro akati kwaari: Jehova ŋgaakuropafadze; ndaita seɀandakarairirwa naJehova. Samueri akati: Ko kucema uku kwamakwai munzeʋe dzaŋgu nokukuma kweŋombe kwandinonzwa kunoti kuɗiniko? Sauro akati: Ʋabva naɀo kuʋaAmareki, nokuti ʋanhu haʋanakuʋuraya makwai akaiȿo‐naka nenzombe, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu; asi ɀimŋe ɀose takaɀiparadza cose. Ipapo Samueri akati kunaSauro: Nyarara, ndikuziʋise ɀandakaʋudzwa naJehova ʋusiku ubgu. Akati kwaari: Taurai henyu.