Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Petro 2:9-17

I Petro 2:9-17 SUB1949

Asi imi muri rudzi rwakasanaŋgurwa, ʋuprista bgamambo, rudzi rutȿene, ʋanhu ʋaakaɀiwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakuɗanai, kuti mubve parima muʋuye kuciedza cake cinoshamisa. Imi kare makaŋga musi ʋanhu; asi ɀino muri ʋanhu ʋaMŋari; makaŋga musiŋganzwirwi ŋgoni, asi ɀino manzwirwa ŋgoni. Ʋaɗikanwa, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, ɀamuri ʋatorwa naʋaeni, kuti muɀidzore pakuciʋa kwenyama kunorwa nomŋeya; mufambire wenyu uʋe wakanaka pakati paʋahedeni; kuti paʋanokupomerai ʋaciti munoita ɀakaipa, ʋarumbidze Mŋari nezuʋa rokushanyira, kana ʋaciʋona maɓasa enyu akanaka. Muɀiise pasi pecireʋo cimŋe necimŋe caʋanhu nokuɗa kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; kana ʋari ʋaɓati, nokuti ʋakatumŋa naye kuti ʋatsiʋe ʋanoita ɀakaipa, ʋuye ʋarumbidze ʋanoita ɀakanaka. Nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari, kuti nokuita kwenyu ɀakanaka munyaradze kusaziʋa kwamapenzi; saʋanhu ʋakasunuŋguka, musiŋgaiti kusunuŋguka kwenyu kuti ciʋe cifukidzo ceɀakaipa, asi muʋe ʋaranda ʋaMŋari. Kudzai ʋanhu ʋose. Iɗai hama dzose. Ityai Mŋari. Kudzai mambo.

Verenga chikamu I Petro 2