Asi, mumŋe nomumŋe seɀaakagoʋerwa naShe, mumŋe nomumŋe seɀaakaɗanwa naMŋari, ŋgaafambe saiɀoɀo. Ndiɀo ɀandinoraira pakereke dzose. Kana mumŋe aciŋge akaɗanwa akadziŋgiswa, ŋgaarege kuitwa usakadziŋgiswa; kana mumŋe aciŋge akaɗanwa asakadziŋgiswa, ŋgaarege kudziŋgiswa. Kudziŋgiswa hacizi cinhu, nokusadziŋgiswa hacizi cinhu, asi kuceŋgeta mirairo yaMŋari. Mumŋe nomumŋe ŋgaagare pakuɗanwa kwaakaɗanwa nako. Wakaɗanwa uri muranda here? Usaɀidya mŋoyo; asi kana uŋgasunuŋgurwa, ɀirinani kuti uɗaro hako. Nokuti wakaɗanwa munaShe, ari muranda, waʋa musunuŋgurwa waShe; saiɀoɀo ʋo, wakaɗanwa akasunuŋguka, waʋa muranda waKristu. Makateŋgwa nomuteŋgo; regai kuʋa ʋaranda ʋaʋanhu. Hama dzaŋgu, mumŋe nomumŋe ŋgaagare pamberi paMŋari ipapo paakaɗanwa napo.
Ɀino, pamsoro pemhandara, handinomurairo waShe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ŋgoni naShe kuti aʋe wakatendeka. Naiɀoɀo ndinoti nokuɗa kwenhamo ino, ɀakanaka kuti munhu agare akaɗaro. Wakaɓatanidzwa nomukadzi here? Usatȿaka kusunuŋgurwa. Wakasunuŋgurwa pamukadzi here? Usatȿaka mukadzi. Ɀino kana wawana, hauna‐kutadza; nemhandara kana yawanikwa, hainakutadza. Asi ʋakaɗaro ʋacaʋa neɗambudziko panyama; asi ini ndinoɗa kukutaʋirai. Ɀino ndinoɀitaura iɀi, hama dzaŋgu, nokuti ŋguʋa ifupi; kuti kubva ɀino ʋanaʋakadzi ʋaʋe saʋasina; naʋanocema ʋaʋe saʋasiŋgacemi; naʋanofara saʋasiŋgafari; naʋanoteŋga saʋasinecinhu; naʋanoɓata neɀenyika, saʋasiŋgaɓatisisi naɀo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuʋura. Ɀino ndinoɗa kuti murege kuʋa nokufuŋganya. Usina‐kuwana, unofuŋga ɀaShe, kuti uŋgafadza Ishe wake sei. Asi wakawana, unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi nemhandara ʋakasiyana; usina‐kuwanikwa unofuŋga ɀaShe, kuti aʋe mutȿene pamuʋiri napamŋeya; asi wakawanikwa unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza murume wake sei. Iɀi ndinotaura kuti muɓatsirwe imi; ndisiŋgaɗi kukusuŋgai nomusuŋgo, asi nokuɗa kweɀakafanira, ʋuye kuti munamatire Ishe, musiŋgakaŋganiswi. Asi kana mumŋe acifuŋga kuti haaitiri mukunda wake, yaʋa mhandara, ɀakafanira, iye ɀaatokura kwaɀo hake, kana ɀirinani kuti ɀiitwe, ŋgaaite nokuɗa kwake, haatadzi; ŋgaʋawaniswe haʋo. Asi uyo unomira akasimba pamŋoyo pake, asiŋgamanikidzwi necinhu, asi anesimba pamsoro pokuɗa kwake, akatema mumŋoyo make cinhu ici, kuti ucaceŋgeta mhandara yake, iye unoita ɀakanaka. Naiɀoɀo, unomuwanisa unoita ɀakanaka; nousiŋgamuwanisi, unoita ɀinopfuʋura nokunaka. Mukadzi wakasuŋgwa nomurairo murume wake aciri mupenyu; ɀino kana murume wake afa, wasunuŋguka, kuti awanikwe nowaanoɗa; asi ŋgaɀiitwe munaShe. Asi uŋganyanya kufara kana acigara akaɗaro, pakufuŋga kwaŋgu ini; ɀino ndinoti neni ʋo ndinoMŋeya waMŋari.