1
Johani 10:10
Shona BIBLE
Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Johani 10:11
“Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
3
Johani 10:27
Makwai angu anonzwa izwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera.
4
Johani 10:28
Ndinoapa upenyu husingaperi; haangafi nokusingaperi, uye hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.
5
Johani 10:9
“Ndini musuwo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro.
6
Johani 10:14
Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini
7
Johani 10:29-30
Zvandakapiwa naBaba vangu zvikuru kuna zvose; hakuna munhu ungaabvuta muruoko rwaBaba vangu. “Ini naBaba tiri vamwe.”
8
Johani 10:15
Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva Baba; ndinorashira makwai angu upenyu hwangu.
9
Johani 10:18
Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murairo ndakaupiwa nababa vangu.”
10
Johani 10:7
Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuwo wamakwai.
11
Johani 10:12
Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza
12
Johani 10:1
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuwo mudanga ramakwai, asi anokwira napamwe, imbavha negororo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo