1
VaRoma 7:25
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaRoma 7:18
Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita.
3
VaRoma 7:19
Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita.
4
VaRoma 7:20
Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.
5
VaRoma 7:21-22
Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri. Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari
6
VaRoma 7:16
Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo