1
Mapisarema 55:22
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 55:17
Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu.
3
Mapisarema 55:23
Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi.
4
Mapisarema 55:16
Asi ini ndinodana kuna Mwari, uye Jehovha anondiponesa.
5
Mapisarema 55:18
Anondidzikinura ndisina kukuvara kubva pahondo inondirwisa, kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa.
6
Mapisarema 55:1
Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo