1
Mapisarema 34:18
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 34:4
Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.
3
Mapisarema 34:19
Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose
4
Mapisarema 34:8
Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.
5
Mapisarema 34:5
Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.
6
Mapisarema 34:17
Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
7
Mapisarema 34:7
Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.
8
Mapisarema 34:14
Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere.
9
Mapisarema 34:13
dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.
10
Mapisarema 34:15
Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo
11
Mapisarema 34:3
Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo