1
Mapisarema 139:14
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 139:23-24
Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu. Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.
3
Mapisarema 139:13
Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
4
Mapisarema 139:16
meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.
5
Mapisarema 139:1
Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva.
6
Mapisarema 139:7
Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu?
7
Mapisarema 139:2
Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.
8
Mapisarema 139:4
Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.
9
Mapisarema 139:3
Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo