1
Zvirevo 22:6
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvirevo 22:4
Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.
3
Zvirevo 22:1
Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.
4
Zvirevo 22:24
Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa
5
Zvirevo 22:9
Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
6
Zvirevo 22:3
Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo.
7
Zvirevo 22:7
Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda weanokweretesa.
8
Zvirevo 22:2
Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.
9
Zvirevo 22:22-23
Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva, nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo