1
Jeremia 14:22
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here? Ko, matenga, anonayisa mvura oga here? Kwete, ndimi, iyemi Jehovha Mwari wedu. Naizvozvo tariro yedu iri mamuri, nokuti ndimi moga munoita izvi zvose.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Jeremia 14:7
Kunyange zvivi zvedu zvichipupura zvakaipa, imi Jehovha, onai zvamungaita nokuda kwezita renyu. Nokuti kudzokera kwedu shure kukuru; takakutadzirai.
3
Jeremia 14:20-21
Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu, uye nemhosva yamadzibaba edu; zvirokwazvo takakutadzirai. Nokuda kwezita renyu, musatizvidza; regai kushora chigaro chenyu chinobwinya. Rangarirai henyu sungano yenyu nesu mugorega kuiputsa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo