1
Isaya 62:4
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Havachazokutizve Musiyiwa, kana kutumidza nyika yako kuti Dongo. Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha uye nyika yako ichanzi Bhiyura; nokuti Jehovha achakufarira, uye nyika yako icharoorwa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 62:6-7
Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangambonyarari masikati kana usiku. Imi munodana kuna Jehovha, musazorora, uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika.
3
Isaya 62:3
Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha, ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.
4
Isaya 62:5
Sejaya zvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; sechikomba chinofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo