1
Isaya 11:2-3
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba, mweya wokuziva newokutya Jehovha, uye achafarira kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nameso ake, kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 11:1
Bukira richabva kudzinde raJese; Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero.
3
Isaya 11:4
asi nokururama achatongera varombo, nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika. Acharova nyika neshamhu yomuromo wake; nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa.
4
Isaya 11:5
Kururuma ndiro richava bhanhire rake uye kutendeka bhanhire romuchiuno chake.
5
Isaya 11:9
Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa.
6
Isaya 11:6
Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzi, mhuru neshumba nezvakakodzwa zvichafura pamwe chete; uye mwana mudiki achazvitungamirira.
7
Isaya 11:10
Pazuva iro Mudzi waJese uchamira somureza wamarudzi; ndudzi dzichamhanyira kwaari, uye nzvimbo yake yokuzorora ichabwinya.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo