1
Dhuteronomi 28:1
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Dhuteronomi 28:2
Maropafadzo aya ose achauya pamusoro penyu uye achava nemi kana muchiteerera Jehovha Mwari
3
Dhuteronomi 28:13
Jehovha achakuita musoro, kwete muswe. Kana ukanyatsoteerera kumirayiro yaJehovha Mwari wako yandinokupa nhasi uye ukachenjerera kuitevera, ucharamba uri pamusoro chete, haungavi pasi.
4
Dhuteronomi 28:12
Jehovha achazarura matenga, matura ake epfuma zhinji, kuti atumire mvura panyika yako nenguva uye acharopafadza mabasa ose amaoko ako. Iwe uchakweretesa ndudzi zhinji asi iwe haungakwereti.
5
Dhuteronomi 28:7
Jehovha achaita kuti vavengi vako, vanokumukira kuti vakurwise, vakundwe pamberi pako. Vachauya kwauri nenzira imwe chete asi vagotiza vachibva kwauri nenzira nomwe.
6
Dhuteronomi 28:8
Jehovha achakutumira kuropafadzwa pamatura ako uye nepane zvose zvauchabata namaoko ako. Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yaari kukupa.
7
Dhuteronomi 28:6
Ucharopafadzwa kana uchipinda uye ucharopafadzwa kana uchibuda.
8
Dhuteronomi 28:3
Ucharopafadzwa muguta uye ucharopafadzwa mumunda.
9
Dhuteronomi 28:4
Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe dzako, mhuru dzemhou dzako uye namakwayana amakwai ako.
10
Dhuteronomi 28:9
Jehovha achakusimbisai sorudzi rwake rutsvene, sezvaakakuvimbisai nemhiko, kana mukachengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukafamba munzira dzake.
11
Dhuteronomi 28:5
Dengu rako nomudziyo waunokanyira chingwa zvicharopafadzwa.
12
Dhuteronomi 28:11
Jehovha achakupa pfuma zhinji, muzvibereko zvomuviri wako, zvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvirimwa zvevhu rako, munyika yaakapikira kumadzitateguru ako kuti achakupa.
13
Dhuteronomi 28:10
Ipapo marudzi ose ari panyika achazviona kuti munodanwa nezita raJehovha, uye vachakutyai.
14
Dhuteronomi 28:14
Usatsauka kubva pane mumwe wemirayiro yandinokupa nhasi, kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire.
15
Dhuteronomi 28:15
Asi, kana usingateereri Jehovha Mwari wako uye usingachenjereri kutevera mirayiro yake yose nemitemo yandinokupa nhasi, kutukwa kwose uku kuchava pamusoro pako, uchakundwa nako
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo