1
2 Timoti 2:15
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Timoti 2:22
Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.
3
2 Timoti 2:24
Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi.
4
2 Timoti 2:13
kana tikasava nokutenda, iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi.
5
2 Timoti 2:25
Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi
6
2 Timoti 2:16
Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo