1
2 VaKorinde 4:18
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 VaKorinde 4:16-17
Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva. Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose.
3
2 VaKorinde 4:8-9
Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.
4
2 VaKorinde 4:7
Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri.
5
2 VaKorinde 4:4
Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari.
6
2 VaKorinde 4:6
Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo