Pavaitamba, vaiimba vachiti:
“Sauro akauraya zviuru zvamazana ake,
naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.”
Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?”