1
1 Johani 5:14
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Johani 5:15
Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.
3
1 Johani 5:3-4
Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.
4
1 Johani 5:12
Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
5
1 Johani 5:13
Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi.
6
1 Johani 5:18
Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo