1
1 VaKorinde 11:25-26
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 VaKorinde 11:23-24
Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”
3
1 VaKorinde 11:28-29
Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe. Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake.
4
1 VaKorinde 11:27
Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe.
5
1 VaKorinde 11:1
Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo