1
Zvakaratidzwa 2:4
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Asi chandinovenga mauri ndechichi, chokuti wakakanda pasi rudo rwawaiva narwo pakutanga.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakaratidzwa 2:5
Naizvozvo rangarira pawakakoromoka upinduke uite mabasa awaiita pakutanga. Kana usina kuita saizvozvo, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadzikiro chomwenje wako panzvimbo pacho kusatoti watendeuka.
3
Zvakaratidzwa 2:10
Usatye matambudziko awava kupinda. Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe. Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu. Rambai makatendeka kusvikira pakufa. Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu.
4
Zvakaratidzwa 2:7
uyo ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa mvumo yokudya muti woupenyu uri muparadhiso yaMwari.’
5
Zvakaratidzwa 2:2
“ ‘Ndinoziva mabasa ako ndinozivawo kushingaira kwako nebasa nokutirira kwako uye kuti haufarirani navanhu vakaipa. Wakaedza avo vanozviti vapositori ivo vasiri ukavaona kuti ndevenhema.
6
Zvakaratidzwa 2:3
Ndinoziva kuti uri kutirira chinyararire, uchitirira zvako pamusana pezita rangu uye usingamboneta.
7
Zvakaratidzwa 2:17
Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo dombo jena nezita idzva rakanyorwa padombo iroro, zita risina anoriziva, kusiya iyeyo chete anenge arigamuchira.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo