1
Zvakaratidzwa 11:15
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Mutumwa wechinomwe akaridza bhosvo rake kukava namazwi okudaidzira mudenga aiti, “Umambo hwapasi hwava humambo hwaTenzi naMesia wake. Achatonga narini narini.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakaratidzwa 11:18
Vechirudzi vakaita bope asi makavavirukira nehasha uye nguva yokutongwa kwavakafa neyokupa mubayiro kuvaranda venyu, vaporofita navatsvene navanotya zita renyu vakuru navadiki yasvika, nguva yokuparadza mharadzi dzapasi.”
3
Zvakaratidzwa 11:3
Ndichapawo simba kuzvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite kwamazuva churu namazana maviri ana makumi matanhatu vakapfeka masaga.”
4
Zvakaratidzwa 11:11
Asi mushure memazuva aya matatu ane chidimbu mweya woupenyu unobva kuna Mwari uchavapinda vachizomira namakumbo avo kutya kukuru kuchizowira vanovaona.
5
Zvakaratidzwa 11:6
Vane simba rokupfiga denga kuti mvura irege kunaya pamazuva ukuporofita kwavo. Vane simba pamusoro pemvura rokuipindura kuva ropa uye rokurova nyika namatenda pavanenge vangodira zvavo.
6
Zvakaratidzwa 11:4-5
Ivava ndivo miorivhi miviri nezvigadzikiro zviviri zvemwenje zviri pamberi patenzi wapasi. Kana munhu akavakuvadza, moto uchabva mukanwa mavo uchiroromesa vavengi vavo. Kana munhu akavakuvadza anouraiwa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo