1
Nziyo 84:11
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Nokuti Mwari izuva nenhoo, anoitira munhu mwoyochena uye anovasimudzira. TENZI hapana chaanonyima munhu anofamba pachokwadi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Nziyo 84:10
Nokuti zuva rimwechete mumipanda yenyu riri nani pane churu chawo kumwe. Zviri nani zvangu kuva muchengeti wapamusuo mumba maMwari wangu panokugara mumatendhe avakaipa.
3
Nziyo 84:5
Vakakomborerwa zvavo vanowana simba mamuri; vanodisisa migwagwa mikuru inoenda kuguta reZioni.
4
Nziyo 84:2
Ndinobva ndatorwa mwoyo chaizvo, ndinodisisa kwazvo mipanda yaTENZI mwoyo wangu nenyama yangu zvinoimbira Mwari mupenyu norufaro.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo